MAPURISA anoyambira veruzhinji kuti vasiyane nekatsika kekutakura zvombo zvinokuvadza senzira yekuchengetedza runyararo panguva yezororo reKirisimasi neGoredzva kusvika mumwedzi waKurume gore rinouya.
Chief Superintendent Tsitsi Chikono vanova Officer Commanding Gokwe District vanoti chikamu cheSection 4 cheMaintanance of Peace and Order (Chapter 11:23) Act chinorambaidza kutakurwa kwezvombo zvinokuvadza neveruzhinji panguva dzinenge dzakatarwa.
Zvombo izvi zvinosanganisira rekeni, mabhemba, matemo, nduni, mapakatwa, mapfumo nedzimwe mhando dzemapanga akasiyana.
Chief Supt Chikono vanoti mutemo uyu uchange uchishanda kwemwedzi mitatu inotevera kubvira musi wa23 Zvita kusvika musi wa23 Kurume mugore ra2026.
Vanoti kune vanhu vachawanikwa vachityora mutemo uyu vanosungwa vobvisiswa faindi kana kuenda kujeri kwenguva inosvika mwedzi mitanhatu.

