gtag('config', 'UA-12595121-1'); Akanhumburiswa Nechigure Panyaradzo – The Zimbabwe Mail

Akanhumburiswa Nechigure Panyaradzo

Spread the love

Concession – Mumwe musikana kumusha weConcession mudunhu reMazowe arikutsvagawo baba vemwana waakatakura avo vaakarara navo  panyaradzo papurazi reKachere mwedzi mitatu yadarika.

Natasha Maikoro uyo ane makore makumi maviri nerimwe ekuzvarwa(21) achigara kuKachere Farm kuConcession akamitiswa nechigure padoro renyaradzo iyo yakaitwa munzvimbo iyi mwedzi mitatu yadarika.

Zvekumitiswa kwemusikana uyu zvakutoonekwa kana nepwere sezvo dumbu rake riri kukura zuva nezuva uri mucherechedzo wekuti akazvitakura.Zvinonzi pazuva renyaradzo iri, Natasha akange achiimbira zvigure zvaitamba ngoma ndokubva apfimbwa nechimwe Chigure icho chakange chabva kuDandamera muConcession zvekare.

Zvadaro Chigure ichi chakazopa musikana uyu mari inoita $5 ndokurara vose pasina dziviriro zvenguva diki. Panguva yavakaita bonde vose Chigure chakakumura zvose zvachakange chakavharisa kumeso kwacho ndokusara chiri munhu chaiye asi Natasha anoti haana kuzocherechedza chiso chemukomana – Chigure uyu sezvo kwakange kune rima uye huri husiku.

“Ndakapfimbwa nemumwe mukomana weZvigure ndokurara naye tisina dziviriro naizvozvo akandipa pamuviri pandiri napo izvezvi”, akadaro Natasha.

Zvekuti musikana uyu akamitiswa neChigure zvakazobuda pachena mushure mekurohwa kwemusikana uyu nevabereki vake nemusi weChishanu svondo radarika maringe nenyaya ine chekuita nezvenhumbu  yake.

Natasha akazotaura zvose zvakaitika kuti asvike pakupihwa pamuviri asi akamboda kunzvengesa nyaya iyi zvikashaya basa apo akati akange asina pamuviri uye zvaari kungori kusimba kwaari kuita asi shamhu ndiyo yakazomudzidzisa kutaura chokwadi.

Amai waNatasha avo vanonzi Melisa Marimo vakatsinhira kuti mwana wavo akadanana neChigure ndokupuhwa pamuviri apo pangangoita mwedzi mitatu.

“Zvatakaitirwa nemwana hazvina maturo,chokwadi kudanana neChigure pamusoro pazvo ndokupuhwa mimba.” vakadaro amai waNatasha.Mai waNatasha vakazoti mukomana weZvigure uyu anofanirwa kuwanikwa kuti ariritire pamuviri pake pamwe nekuzochengeta mwana wake kana azobarwa.

Shamwari yaNatasha iyo inonzi Maidei Mupona yakati Natasha akarara neChigure zvechokwadi uye akazopuhwa pamuviri.”Zuva racho akanditi ndakechwa nemumwe mukomana wekuZvigure,zvadaro ndokubva varara vose.Saka ichokwadi kuti akapuhwa mimba nemukomana wekuZvigure”, akadaro Maidei Mupona.
Nyaya yemusikana uyu yakatosvitswa kuvakuru weZvigure munzvimbo iyi  uye vakuru vacho vakavimbisa kubatsira pakutsvaga nyakumitisa musikana uyu nokuchimbidza. – Bindura Eye